Acts 22:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino fume maŋgwana, aciɗa kuziʋa kwaɀo kuti ʋaJuda ʋakamupomera mhoȿa yei, akamusunuŋgura, akaraira kuti ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋaʋuŋgane, akaɓurusa Pauro, ndokumuisa pamberi paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva rakatevera, sezvo mukuru wavarwi aida kuziva chaizvoizvo kuti sei Pauro akanga achipomerwa mhosva navaJudha, akamusunungura akarayira kuti vaprista vakuru neDare Guru ravaJudha vaungane. Ipapo akatora Pauro akamumisa pamberi pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mangwana acho mukuru mukuru wamasoja zvaaida kuziva chikonzero chaicho vaJudha chavaimupira mhosva akamusunungura akati, vapristi namakurukota ose edare aungane ndokuenda naPauro ondomuisa pamberi pavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino fumwe mangwana, achida kuziva kwazvo kuti vaJudha vakamupomera mhosva yei, akamusunungura, akarayira kuti vapristi vakuru namakurukota ose vaungane, akaburusa Pauro, ndokumuisa pamberi pavo.
Shona 2009?
Zvino fume mangwana, achida kuziva kwazvo kuti vaJudha vakamupomera mhosva yei, akamusunungura, akaraira kuti vaprista vakuru namakurukota ose vavungane, akaburusa Pauro, ndokumuisa pamberi pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino fume mangwana, achida kuziva kwazvo kuti vaJudha vakamupomera mhosva yei, akamusunungura, akarayira kuti vapristi vakuru namakurukota ose vaungane, akaburusa Pauro, ndokumuisa pamberi pavo.