Acts 22:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muprista mukuru seɀaaŋgandipupurira ʋo namakurukota ose; ndikapiwa ŋwadi naʋo kuhama, ndikaenda Damasko kuti ndiise Jerusarema aʋo ʋaigara’ko, ʋakasuŋgwa, kuti ʋarobge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nomupristi mukuru nedare ravakuru vakuru. Ndakatopihwa matsamba navo kune vehama. Ndaienda kuDhamasikusi kuti ndinotora vakanga variko ndichivauisa vakasungwa kuJerusaremu kuti vazorangwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mupristi mukuru sezvaangandipupurirawo namakurukota ose; ndikapiwa tsamba navo kuhama, ndikaenda Dhamasiko kuti ndiise Jerusaremu avo vaigarako, vakasungwa, kuti varohwe.
Shona 2009?
muprista mukuru sezaangandipupuriravo namakurukota ose; ndikapiwa mwadhi navo kuhama, ndikaenda Dhamaseko kuti ndiise Jerusarema avo vaigara'ko, vakasungwa, kuti varobwe.
Shona SUB 2002 Bible
Mupristi Mukuru sezvaangandipupurirawo namakurukota ose; ndikapiwa tsamba navo kuhama, ndikaenda Dhamasikosi kuti ndiise Jerusaremu avo vaigarako, vakasungwa, kuti varohwe.