Acts 23:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kupesana kukuru kuciɗa kumuka, mukuru wecuru camazana akatya kuti Pauro uŋgabvamburwa naʋo, akaraira ʋarwi kuti ʋaɓuruke, ʋamubvute pakati paʋo, ʋamuise muimba yaʋarwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kupesana kwakava nemhirizhonga zvokuti mukuru wamauto akatya kuti Pauro angangobvamburwa-bvamburwa navo. Akarayira varwi kuti vaburuke vandomutora vamubvise kwavari nechisimba uye vagomuendesa kudzimba dzavarwi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kupikisana uku zvakwakasvika pokuti bata wabata, mukuru mukuru wamasoja, nokutya kuti Pauro angangodamburwa damburwa navo, akati masoja adzike andomutora nechisimba pakati pavo vamuunze munzvimbo inogara masoja.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mukuru wechiuru chamazana akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akarayira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.
Shona 2009?
Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mutungamiri Mukuru akatya kuti Pauro ungabvamburwa navo, akaraira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mukuru wechiuru chamazana akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akarayira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.