Acts 23:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋusiku bgakateʋera, Ishe akamira naye, akati: Tsuŋga mŋoyo, seɀawakandipupurira kwaɀo paJerusarema, unofanira kupupura paRoma ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usiku hwakatevera, Ishe akamira pedyo naPauro akati kwaari, “Tsunga mwoyo! Sezvawapupura pamusoro pangu muJerusarema, saizvozvo unofanira kundopupurawo muRoma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usiku hwakatevera, Tenzi akamira pedyo naPauro akati, “Tsunga mwoyo, nokuti sokundipupurira kwawaita muJerusaremu unofanira kundopupurawo kuRoma.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Usiku hwakatevera, Ishe akamira naye, akati, “Tsunga mwoyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusaremu, unofanira kupupura paRomawo.”
Shona 2009?
Vusiku; bwakatevera, Ishe akamira naye, akati: Tsunga moyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusarema, unofanira kupupura paRomavo.
Shona SUB 2002 Bible
Usiku hwakatevera, Ishe akamira naye, akati, “Tsunga mwoyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusaremu, unofanira kupupura paRomawo.”