Acts 23:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino imi, namakurukota, muziʋise mukuru wecuru camazana, kuti amuɓurusire kwamuri, muciita somunoɗa kunatso‐bvunzisisa mhoȿa yake; isu taɀigadzira kuti timuʋuraye, asati asweɗera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino imi neDare Guru ravaJudha kumbirai mukuru wavarwi kuti amuuyise pamberi penyu muchiita somunoda kubvunzisisa pamusoro penyaya iyi. Isu takagadzirira kumuuraya asati asvika kuno.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo imi pamwe nedare taurirai mukuru mukuru wamasoja kuti amudzikise kwamuri sokunge munoda kunyatsotsvakisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Isu takagadzirira kumuuraya asati ambosvika pedyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvino imi, namakurukota, muzivise mukuru wechiuru chamazana, kuti amuburusire kwamuri, muchiita somunoda kunatsobvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuuraye, asati aswedera.”
Shona 2009?
Naizvozvo zvino imi, namakurukota, mutaridzire mutungamiri mukuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, muchiita somunoda kunatso-bvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuvuraye, asati aswedera.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvino imi, namakurukota, muzivise mukuru wechiuru chamazana, kuti amuburusire kwamuri, muchiita somunoda kunatsobvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuuraye, asati aswedera.”