Acts 23:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mŋanakomana wehanɀadzi yaPauro akanzwa ɀokuʋandira kwaʋo, akaenda, akapinda mumba maʋarwi, akaʋudza Pauro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akati anzwa rangano iyi, akapinda mudzimba dzavarwi akandoudza Pauro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mwana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuhwandira kwavo. Nezvo akandopinda munzvimbo yaigara masoja akataurira Pauro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akaudza Pauro.
Shona 2009?
Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akavudza Pauro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akaudza Pauro.