Acts 23:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pauro akaɗana mumŋe waʋakuru ʋezana, akati: Isa jaya iri kumukuru wecuru camazana; nokuti uneshoko raanoɗa kumuʋudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana akati kwaari, “Tora jaya iri uende naro kumukuru wavarwi; ane zvaari kuda kumutaurira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro akadaidza mumwe wavatungamiri vezana akati, “Endai nejaya iri kumukuru mukuru wamasoja nokuti ane zvimwe zvaari kuda kumutaurira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati, “Isa jaya iri kumukuru wechiuru chamazana; nokuti ane shoko raanoda kumuudza.”
Shona 2009?
Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati: Isa jaya iri kumutungamiri Mukuru; nokuti uneshoko raanoda kumuvudza.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati, “Isa jaya iri kumukuru wechiuru chamazana; nokuti ane shoko raanoda kumuudza.”