Acts 23:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo musaʋatenda; nokuti pakati paʋo kunaʋarume ʋanopfuʋura makumi manna ʋanomuʋandira ʋakaɀisuŋga nokupika, kuti haʋaŋgadyi, kana kunwa, kuȿikira ʋamuʋuraya; ɀino ʋakaɀigadzira, ʋakatarira tendero inobva kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musavanzwa, nokuti pana vamwe vavo vanopfuura makumi mana vakamuvandira. Vakatozvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vamuuraya. Vakatogadzirira izvozvi, vakamirira kubvuma kwenyu chikumbiro chavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi musabvume nokuti kune vanhu vavo varume vanopfuura makumi mana vanenge vakamuhwandira vatozvisunga nemhiko yokuti havamboruma chinhu kana kunwa chinhu kusvikira vatouraya Pauro. Iye zvino vatogadzirira. Vangomirira chitsidzo chenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo musavatenda; nokuti pakati pavo kuna varume vanopfuura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kunwa, kusvikira vamuuraya; zvino vakazvigadzira, vakatarira tendere inobva kwamuri.”
Shona 2009?
Naizvozvo musavatendera; nokuti pakati pavo kunavarume vanopfuvura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kumwa, kusvikira vamuvuraya; zvino vakazvigadzirira vachimirira chivimbiso, chinobva kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo musavatenda; nokuti pakati pavo kuna varume vanopfuura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kunwa, kusvikira vamuuraya; zvino vakazvigadzira, vakatarira tendero inobva kwamuri.”