Acts 23:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndikawana kuti wakwirirwa pamsoro pamashoko omurairo waʋo, asi asinemhoȿa yecinhu ciŋgafanira rufu kana kusuŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakaona kuti aipomerwa mhosva pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi pakanga pasina mhosva ingafanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaona kuti vaimupa mhosva dzezvemutemo wavo asi hapana mhosva yavaimupa inokodzera rufu kana kuiswa mujeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndikawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi asina mhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa.
Shona 2009?
ndakawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurairo wavo, asi asinemhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa.
Shona SUB 2002 Bible
ndikawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurairo wavo, asi asina mhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa.