Acts 23:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pauro akati kwaari: Mŋari ucakuroʋa iwe, ruȿiŋgo rwakaceneswa; ugere’ po kuti unditoŋge nomurairo, ɀino woraira kuti ndirobge, uciɗarika murairo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe rusvingo rwakacheneswa! Ugere ipapo kuti unditonge maererano nomurayiro, asi iwe pachako unodarika murayiro nokurayira kuti ndirohwe!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro zvacho chadzururwa kuchena nesuko. Ndozvawakagarira ipapo kuti unditonge zviri pamutemo asi uchityora mutemo nhai? Uri kuti ndinofanira kurohwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurayiro, zvino worayira kuti ndirohwe, uchidarika murayiro here?”
Shona 2009?
Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari uchakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurairo, zvino woraira kuti ndirobwe, uchidarika murairo here?
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurairo, zvino worayira kuti ndirohwe, uchidarika murairo here?”