Acts 23:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Pauro wakati aciʋona kuti ʋamŋe ndiʋaSaduse naʋamŋe ʋaFarise, akaɗanidzira mumakurukota, akati: Ʋarume, hama, ini ndiri muFarise, mŋanakomana waʋaFarise, ndinotoŋgwa pamsoro petariro nokumuka kwaʋakafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Pauro, achiziva kuti vamwe vavo vakanga vari vaSadhusi uye kuti vamwe vakanga vari vaFarisi, akadanidzira kuDare Guru akati, “Hama dzangu, ini ndiri muFarisi mwanakomana womuFarisi. Ndimire pano ndichitongwa nokuda kwetariro yangu yokumuka kwavakafa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro, paakaona kuti chimwe chikamu chaiva chiri chavaSadhusei, chimwe chiri chavaFarisei akadaidzira mudare achiti, “Varume hama ini ndiri muFarisei, mwana womuFarisei. Ini ndiri kupinzirwa dare pamusana pechitarisiro uye kumuka kwavakafa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pauro akati achiona kuti vamwe ndivaSadhusi navamwe vaFarisi, akadanidzira mumakurukota, akati, “Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wavaFarisi, ndinotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.”
Shona 2009?
Zvino Pauro wakati achivona kuti vamwe ndivaSajusi navamwe vaFarisi, akadanidzira mumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wavaFarisi, ndotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Pauro akati achiona kuti vamwe ndivaSadhusi navamwe VaFarisi, akadanidzira mumakurukota, akati, “Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wavaFarisi, ndinotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.”