Acts 23:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋaSaduse ʋaiti hapana‐kumuka kwaʋakafa, kana mutumŋa, kana mŋeya; asi ʋaFarise ʋaitenda iɀoɀo ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaSadhusi vanoti hakuna kumuka kwavakafa, uye kuti hakuna mutumwa kana mweya, asi vaFarisi vanotenda izvozvo zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti, vaSadhusei vanoti zvokumuka kwavafi hapana kana mutumwa kana mweya asi vaFarisei vanoti zvose izvozvo zviriko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vaSadhusi vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vaitenda izvozvo zvose.
Shona 2009?
Nokuti vaSajusi vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vaitenda izvozvo zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vaSadhusi vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi VaFarisi vaitenda izvozvo zvose.