Acts 23:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ɓope guru rikaʋa’po; ʋamŋe ʋanyori ʋokuʋaFarise ʋakasimuka, ʋakaita nharo, ʋaciti: Hatiʋoni cinhu cakaipa kumunhu uyu; ɀimŋe mŋeya wakataura naye, kana mutumŋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakava nebope guru, uye vamwe vadzidzisi vomurayiro vainge vari vaFarisi vakasimuka vakaita nharo zvikuru. Vakati, “Hatina chakaipa chatinoona pamunhu uyu. Ko, kana ari mweya kana mutumwa akataura kwaari?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakabva pamuka bopoto guru. Dzimwe nyanzvi dzomutemo webato ravaFarisei vakasimuka vachipikisa vachiti, “Hapana chatinoona chakaipa nomunhu uyu. Ko, zvichida mumwe mweya kana kuti mumwe mutumwa akataura naye!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarisi vakasimuka vakaita nharo, vachiti, “Hationi chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya akataura naye, kana mutumwa.”
Shona 2009?
Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarisi vakasimuka, vakaita nharo, vachiti: Ngatirege kugwa naMwari, hativoni chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya wakataura naye, kana mutumwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarisi vakasimuka vakaita nharo, vachiti, “Hationi chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya akataura naye, kana mutumwa.”