Acts 24:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndinotenda haŋgu kwamuri, kuti ndinoshumira Mŋari wamadziɓaɓa eɗu neNzira, yaʋanoti idzidziso yakatsauka, ndicitenda ɀose ɀomurairo neɀakanyorwa paʋaprofita;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muvaprofita,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi izvi ndinobvuma pamuri, kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu ndichitevera nzira yekavari kuti kaboka. Ndinotenda zvose zvakatemwa nomutemo kana zvakanyorwa navaporofita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurayiro nezvakanyorwa pavaporofita;
Shona 2009?
Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurairo nezvakanyorwa pavaporofita;
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurairo nezvakanyorwa pavaporofita;