Acts 24:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndinetariro kunaMŋari, iyo yaʋanotenda ʋo ʋamene, kuti kucaʋa’po kumuka kwaʋakafa kwaʋakarurama naʋasakarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndine chitarisiro muna Mwari zvinobvumwa naivava kuti kuchava nokumuka kwavafi, vakarurama navakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanotendawo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.
Shona 2009?
ndinetariro kunaMwari, iyo yavanotendavo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.
Shona SUB 2002 Bible
ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanotendawo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.