Acts 24:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino makore mazhinji akati apfuʋura, ndakaʋuya neɀipo neɀiɓayiro kuʋanhu ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Shure kwamakore mazhinji ndisipo, ndakauya kuJerusarema kuti ndizopa vanhu vokwangu zvipo zvavarombo uye kuti ndizopa zvipiriso zvangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kwapera makore akati kuti, ndakauya kuzopa verudzi rwangu zvipo zvomwoyochena wavamwe nemipiro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino makore mazhinji akati apfuura, ndakauya nezvipo nezvibayiro kuvanhu vangu.
Shona 2009?
Zvino makore mazhinji akati apfuvura, ndakavuya nezvipo nezvibayiro kuvanhu vangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino makore mazhinji akati apfuura, ndakauya nezvipo nezvibairo kuvanhu vangu.