Acts 24:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Feriksi, ɀaakaziʋisisa ɀakanaka Nzira iyo, akaʋaʋetsa, aciti: Kana Risia, mukuru wecuru camazana aɓurukira pano, ndicanatso‐bvunzisisa mhaka yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Ferikisi uyo akanga achizivisisa nezveNzira iyo, akambomisa dare. Akati, “Kana Risiasi mukuru wavarwi auya, ndichatonga mhosva yenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Ferekisi, munhu akanga achiziva zvinhu zvizhinji nezveNzira yechikristu, akamisa dare achiti, “Kana Risiasi, mukuru mukuru wamasoja adzika kuno ndipo pandichapedzisa nyaya yako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Ferikisi, zvaakazivisisa zvakanaka Nzira iyo, akavavetsa, achiti, “Kana Risiya, mukuru wechiuru chamazana aburukira pano ndichanatsobvunzisisa mhaka yenyu.”
Shona 2009?
Asi Feriksi, zvaakazivisisa zvakanaka. Nzira iyo, akavavetsa, achiti: Kana Risia, mutungamiri mukuru aburukira pano, ndichanatso-bvunzisisa mhaka yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Ferikisi, zvaakazivisisa zvakanaka Nzira iyo, akavavetsa, achiti, “Kana Risiya, mukuru wechiuru chamazana aburukira pano ndichanatsobvunzisisa mhaka yenyu.”