Acts 24:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acitaura ɀokururama, nokuɀidzora, nokutoŋga kunoʋuya, Feriksi akatya ɀikuru, akapindura, akati: Enda hako ɀino; kana ndikazoʋa neŋguʋa yakanaka, ndicakuɗana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro paairondedzera nezvoruenzaniso nezvokuzvibata nezvokutongwa kuchauya, Ferekisi zvakamutyisa akati parizvino chimboenda zvako kana ndawana nguva ndichazokudaidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunouya, Ferikisi akatya zvikuru, akapindura, akati, “Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.”
Shona 2009?
Zvino wakati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunovuya, Feriksi akatya zvikuru, akapindura, akati: Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunouya, Ferikisi akatya zvikuru, akapindura, akati, “Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.”