Acts 24:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati ʋo ɀimŋe ucazopiwa mari naPauro; naiɀoɀo wakamuɗana kazhinji, acitaura naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva imwecheteyo aitarisira kupiwa pfumbamuromo naPauro, saka aimudaidza kakawanda achitaura naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatiwo zvimwe achazopiwa mari naPauro; naizvozvo akamudana kazhinji, achitaura naye.
Shona 2009?
Wakativo zvimwe uchazopiwa mari naPauro; amusunungure naizvozvo wakamudana kazhinji, achitaura naye.
Shona SUB 2002 Bible
Akatiwo zvimwe achazopiwa mari naPauro; naizvozvo akamudana kazhinji, achitaura naye.