Acts 25:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ndineŋge ndisakarurama, ndaita cinhu cinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasinecinhu ceɀokwaɗi paɀinhu ɀaʋanondipomera, hakunomunhu uŋgandiisa kwaʋari. Ndinoɀiisa kunaKesari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro hazvo, kana ndine mhosva yokuita chinhu chipi zvacho chinokodzera rufu, handingarambi kufa. Asi kana mhosva dzandinopomerwa navaJudha dzisina chokwadi, hakuna munhu ane mvumo yokundiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ndiri munhu akakanganisa uye ndakapara mhosva ipi neipi zvayo inokodzera kuti ndife handisi kuda kutsvaga kupunyuka rufu asi pane zvavari kundimhan'arira kana pasina mhosva hapana angakwanise kunditurira mumaoko avo. Ini ndinoda kuti mhosva yangu ichisvitswa kuna Siza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana ndinenge ndisakarurama, ndaita chinhu chinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakuna munhu angandiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari.”
Shona 2009?
Zvino kana ndinemhosva kana kuti ndakaita chinhu chakafanira rufu handirambi kufa; asi kana pasinechinhu chechokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakunomunhu ungandiisa mumavoko avo.Ndinozviisa kunaKesari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana ndinenge ndisakarurama, ndaita chinhu chinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakuna munhu angandiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari.”