Acts 25:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋagara mazuʋa mazhinji, Festo akaisa mhoȿa yaPauro kunamambo, aciti: Kunomumŋe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasuŋgwa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvavakagara mazuva mazhinji, Fesitusi akapira mhosva yaPauro pana mambo achiti, “Pane murume akasiiwa ari muusungwa naFerekisi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vagara mazuva mazhinji, Fesito akaisa mhosva yaPauro kuna mambo, achiti, “Kuno mumwe murume akasiyiwa pano naFerikisi, akasungwa;
Shona 2009?
Vakati vagara mazuva mazhinji, Festo akaisa mhosva yaPauro kunamambo, achiti: Kunomumwe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasungwa;
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vagara mazuva mazhinji, Fesito akaisa mhosva yaPauro kuna mambo, achiti, “Kuno mumwe murume akasiyiwa pano naFerikisi, akasungwa;