Acts 25:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndikaʋapindura, ndikati haizi tsika yaʋaRoma kuisa kumutoŋgi munhu wapomerwa, asati aʋa naʋapomeri pamberi pake, akatenderwa kuɀiɗaʋirira pamsoro pemhoȿa yaanopomerwa nayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakavapindura kuti haisiri tsika yavaRoma kuturira munhu kuti arangwe asati atongesana vakatarisana navakamumhan'arira achiwaniswa nguva yokuzvidavirira nezvemhosva yaanenge achipiwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikavapindura, ndikati haizi tsika yavaRoma kuisa kumutongi munhu apomerwa, asati ava navapomeri pamberi pake, akatenderwa kuzvidavirira pamusoro pemhosva yaanopomerwa nayo.
Shona 2009?
Ndikavapindura, ndikati; haizi tsika yavaRoma kutongera munhu rufu, uyo unopomerwa asati ambotarisana navanomupomera, akapiwa chinguva yokuzvipindurira pamusoro penyaya yaanopomerwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikavapindura, ndikati haizi tsika yavaRoma kuisa kumutongi munhu apomerwa, asati ava navapomeri pamberi pake, akatenderwa kuzvidavirira pamusoro pemhosva yaanopomerwa nayo.