Acts 25:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaʋuŋgana pano, handina‐kunonoka, asi fume maŋgwana ndakagara pacigaro cokutoŋga, ndikaraira kuti ʋaʋuye nomurume uyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo pavakaungana kuno handina kunonoka asi kuti pazuva rakatevera ndakagara pachigaro changu chokutonga ndikati murume wacho auiswe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikarayira kuti vauye nomurume uyo.
Shona 2009?
Zvino vakati vavungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikaraira kuti vavuye nomurume uyo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikarayira kuti vauye nomurume uyo.