Acts 25:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ini, ɀandakaŋga ndisiŋgaziʋi mubvunzire weɀinhu ɀakaɗai, ndikabvunza kana aciɗa kuenda Jerusarema kundotoŋgwa ikoko pamsoro peɀinhu iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakashaya ruzivo rwokuferefeta nyaya dzakadai; saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti andotongwa ikoko pamusoro pemhosva idzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pandakazvishaira pazvo kuti ndobvunza ndichiti kudini, ndakamubvunza kuti angade here kuenda kuJerusaremu kuti andotongwa nezvezvinhu izvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunziro wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusaremu kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo.
Shona 2009?
Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunzire wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusasrema kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunziro wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusaremu kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo.