Acts 25:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Pauro wakati akumbira kuti aceŋgetwe kuzotoŋgwa namambo mukuru, ndikaraira kuti aceŋgetwe kuȿikira ndicimutumira kunaKesari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pauro akati azvisarudzira kuti achengetwe kuti azotongwa pamberi paMambo Kesari, ndakarayira kuti achengetwe kusvikira ndazomutumira kuna Kesari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro paakakumbira kuti achengetwe ari muusungwa kusvikira nyaya yake yapedzwa naSiza ndakati achengetwe kusvikira ndamutumira kuna Siza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Pauro akati akumbira kuti achengetwe kuzotongwa namambo mukuru, ndikarayira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.”
Shona 2009?
Pauro wakati azviisa kuna mambo mukuru ndikaraira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Pauro akati akumbira kuti achengetwe kuzotongwa namambo mukuru, ndikarayira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.”