Acts 25:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Fume maŋgwana Agripa wakati aȿika naBerinike, ʋashoŋga kwaɀo, ʋapinda mumba maitambirwa mhaka, naʋakuru ʋecuru camazana, naʋakuru ʋeguta, ʋakaʋuya naPauro ʋarairwa naFesto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva rakatevera, Agiripa naBhenisi vakauya nokukudzwa kukuru vakapinda mumba maitambirwa mhaka vane machinda ezvigaro zvapamusoro uye navarume vaitungamirira guta. Varayirwa naFesitasi, Pauro akapinzwa mukati.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva ramangwana acho Agiripa naBhenisi vakauya vakashongashonga kwazvo. Vakapinda mumba yedare redzimhosva pamwechete navakuru vakuru vemuhondo navakuru vakuru vomuguta. Pauro akaunzwamo zvataurwa naFesitusi kuti aunzwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Fume mangwana Agiripa akati asvika naBherinike, vashonga kwazvo, vapinda mumba maitambirwa mhaka, navakuru vechiuru chamazana, navakuru veguta, vakauya naPauro varayirwa naFesito.
Shona 2009?
Fume mangwana Agripa wakati asvika naBhenike, vashonga kwazvo, vakapinda mumba maitambirwa mhaka, navatungamiriri vakuru, navakuru veguta, vakavuya naPauro varairwa naFesto.
Shona SUB 2002 Bible
Fume mangwana Agiripa akati asvika naBherinike, vashonga kwazvo, vapinda mumba maitambirwa mhaka, navakuru vechiuru chamazana, navakuru veguta, vakauya naPauro varayirwa naFesito.