Acts 25:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Festo akati: Mambo Agripa, nemi ʋarume ʋose ʋaneni, munoʋona munhu uyu, wandakanyeŋgeterwa naʋaJuda ʋose paJerusarema napano, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Haafaniri kuʋa mupenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fesitasi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano nesu, muri kuona munhu uyu! Ungano yose yavaJudha yakandikumbira pamusoro pake muJerusarema uye nomuno muKesaria, vachidanidzira vachiti haafaniri kutongoramba ari mupenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Fesitusi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano. Tarisai muone munhu uyu wandakakumbirwa navanhu vose vechiJudha vari Jerusaremu navari kuno vachitodaidzira kuti haambofanira kuramba ari mupenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Fesito akati, “Mambo Agiripa, nemi varume vose vaneni, munoona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusaremu napano, vakadanidzira, vachiti, ‘Haafaniri kuva mupenyu.’
Shona 2009?
Zvino Festo akati: Mambo Agripa, nemwi varume vose vaneni, munovona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusarema napano, vakadanidzira, vachiti: Haafaniri kuva mupenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Fesito akati, “Mambo Agiripa, nemi varume vose vaneni, munoona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusaremu napano, vakadanidzira, vachiti, ‘Haafaniri kuva mupenyu.’