Acts 25:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi handineshoko kwaro reɀokwaɗi randiŋganyorera ishe pamsoro pake; saka ndaʋuya naye pamberi penyu, ɀikuru pamberi penyu, imi mambo Agripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigoʋa neɀandiŋganyora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi handina chinhu chandinganyatsorondedzera chokuti ndinyorere kuna Changamire pamusoro pake. Naizvozvo ndamuuyisa pamberi penyu iyemi mose, kunyanya pamberi penyu, Mambo Agiripa, kuitira kuti zvichabuda pakuferefeta uku zvigondiwanisa zvokunyora.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini handina chinhu chaicho chokunyora nezvake kuna tenzi wangu. Ndiko kusaka ndamuunza pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu imi mambo Agiripa kuti mushure mokunge tamuongorora ndiwane chokunyora
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi handina shoko kwaro rezvokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake; saka ndauya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imi mambo Agiripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigova nezvandinganyora.
Shona 2009?
Asi handineshoko kwaro rechokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake, saka ndavuya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imwi mambo Agripa, kuti kana abvunzisiswa nemi, ndigova nezvandinganyora.
Shona SUB 2002 Bible
Asi handina shoko kwaro rezvokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake; saka ndauya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imi mambo Agiripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigova nezvandinganyora.