Acts 25:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Festo wakapindura, aciti Pauro wakaceŋgetwa Kesaria, ʋuye kuti iye amene wakaŋga okurumidza kuenda’ ko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fesitasi akapindura akati, “Pauro akachengetwa paKesaria, uye ini pachangu ndichaendako nokukurumidza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Fesitusi akapindura achiti, “Pauro ari kuchengetedzwa kuSezaria uye kuti iye Fesitusi pachakewo aitoda kuendako mushure mechinguvana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Fesito akapindura, achiti, “Pauro akachengetwa Kesaria, uye kuti iye amene akanga okurumidza kuendako.
Shona 2009?
Asi Festo wakapindura, achiti Pauro wakachengetwa Kesaria, uye kuti iye amene wakanga okurumidza kuenda'ko.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Fesito akapindura, achiti, “Pauro akachengetwa Sizaria, uye kuti iye amene akanga okurumidza kuendako.