Acts 25:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Aʋo ʋanesimba pakati penyu, ŋgaʋaɓuruke neni; kana kunecinhu cisakafanira kumunhu uyu, ŋgaʋamupomere mhoȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vavakuru venyu ngavaende neni vagondokwirira munhu uyu ikoko, kana akaita chinhu chipi zvacho chakaipa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Naizvozvo regai varume vane ukuru pakati penyu vadzike pamwechete neni uye kana pane chakaipa nomunhu uyu mutaure mhosva yaanayo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, avo vane simba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kune chinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.”
Shona 2009?
Akati: Avo vanesimba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kunechinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, avo vane simba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kune chinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.”