Acts 26:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ndakataŋga kuparidza kunaʋeDamasko, nokunaʋeJerusarema, nenyika yose yeJudea, nokuʋahedeni, kuti ʋatendeʋuke, ʋariŋgire kunaMŋari, ʋaite maɓasa akafanira kutendeʋuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatanga kuparidza kuna avo vaiva muDhamasiko, nokuna avo vaiva muJerusarema nomuJudhea yose, uye nokuvaHedheniwo kuti vatendeuke vadzokere kuna Mwari vagoratidza kutendeuka kwavo namabasa avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuDhamasikusi tevere vokuJerusaremu ndokuzouyawo nyika yose yeJudhea nokune vechirudzi kuti vanofanira kupinduka vadzokere kuna Mwari vaite zvinowirirana nokutendeuka kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamasiko, nokuna veJerusaremu, nenyika yose yeJudhea, nokuvahedheni, kuti vatendeuke, varingire kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.
Shona 2009?
asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamaseko, nokuna veJerusarema, nenyika yose yeJudhiya, nokuvahedheni, kuti vatendevuke, varingire kunaMwari, vaite mabasa akafanira kutendevuka.
Shona SUB 2002 Bible
asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamasikosi, nokuna veJerusaremu, nenyika yose yeJudhiya, nokuvahedheni, kuti vatendeuke, varingire kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.