Acts 26:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pauro akati: Ndinonyeŋgetera kunaMŋari kana ne ŋguʋa ɗuku, kana nehuru, kuti musaʋa imi moga, asi ʋose ʋanondinzwa nhasi, ʋaitwe seni, asi ʋasine ɀisuŋgo iɀi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro akati, “Ingave nguva pfupi kana refu zvayo, ndinotokumbira kuna Mwari, kuti kwete imi moga asi kuti vose vari kundinzwa nhasi uno vave sezvandiri, kunze kwecheni idzi chete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pauro akati, “Ndinonyengetera kuna Mwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasina zvisungo izvi.”
Shona 2009?
Pauro akati: ndinonyengetera kunaMwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imwi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasinezvisungo izvi.
Shona SUB 2002 Bible
Pauro akati, “Ndinonyengetera kuna Mwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasina zvisungo izvi.”