Acts 27:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kwakati kwatemŋa kuti tiende Itaria necikepe, ʋakaisa Pauro naʋamŋe ʋasuŋgwa kumukuru wezana, wainzi Jurio, wehondo yaAugusto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwakati kwarongwa kuti tiende nechikepe kuItari, Pauro navamwe vasungwa vakaiswa mumaoko omukuru wezana ainzi Juriasi akanga ari wehondo yaAgasito.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvakanga zvarongwa kuti tinofanira kuenda kuItari nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa mumaoko aJuriasi aiva mutungamiriri wezana wechikwata chamasoja chokwaAgasitosi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, ainzi, “Jurio, wehondo yaAugusto.”
Shona 2009?
Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, wainzi Jurio, wehondo yaAugusto.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, ainzi, “Jurio, wehondo yaAugusto.”