Acts 27:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mhepo yezasi yakati icirira ɀishoma, ʋakati tawana ɀatakaŋga ticiʋiŋga, ʋakabva’po, ʋakafamba pedyo neKrita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mhepo yakadzikama yaibva zasi yakati yotanga kuvhuvhuta, vakafunga kuti vawana zvavaida; saka vakayera zvibatiso tikafamba takatevedza mahombekombe eKirete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakafefetera kamhepo kanobva kumaodzanyemba vakafunga kuti vawana zvavakanga vachida vakasimudza zvinorema zvokumisisa chikepe vakafambisa chikepe vachitevedza Kiriti vari pedyo namahombekombe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivinga, vakabvapo, vakafamba pedyo neKiriti.
Shona 2009?
Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivavarira, vakabvapo, vakafamba pedo neKirita.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivinga, vakabvapo, vakafamba pedyo neKiriti.