Acts 27:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tikafamba nyasi kwecimŋe ciwi ciɗuku, cainzi Krauda, tikaŋga tokoniwa kusuŋga igwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takati tapfuura nezasi kwechitsuwa chiduku chainzi Kaudha, takanga tisisagoni kuchengetedza igwa rokununura upenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Takamhanya tiri kwakadzivirwa mhepo nakatsuwa kanonzi Kaudha. Takakwanisa kusungirira igwa zviri zvokutovavarira kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Kiraudha, tikanga tokoniwa kusunga igwa.
Shona 2009?
Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Krauda, tikanga tokoniwa kusunga igwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Kaudha, tikanga tokoniwa kusunga igwa.