Acts 27:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ɀatakaŋga tisina‐kuɓuɗirwa nezuʋa kana nyeredzi mazuʋa mazhinji, neɗutu guru remhepo ricirambira riri’po, takatorerwa kutarira kwose kwokuti ticaponeswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva kana nyeredzi pazvisina kuonekwa kwamazuva mazhinji, uye dutu parakaramba richipenga, takagumisira tarasikirwa netariro yose yokuponeswa kwedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti kwaita mazuva akawanda pasingambooneka zuva kana nyenyedzi, iro dutu richitivhuvhuta zvakaomarara takanga tangobatira ura mumaoko tongoti ndiko kwavakupera uku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richirambira riripo, takatorerwa kutarira kwose kwokuti tichaponeswa.
Shona 2009?
Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richiramba riripo, takatorerwa tariro yose yokuti tichaponeswa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyenyedzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richirambira riripo, takatorerwa kutarira kwose kwokuti tichaponeswa.