Acts 27:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakayera kudzika kwemʋura, ʋakawana pakaita mafadomi makumi maʋiri; ʋakapfuʋura ɀishoma, ndokuyera ɀe, ʋakawana pakaita mafadomi anegumi namashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatora zvokuyera kudzika kwemvura vakaona kuti mvura yakanga yakadzika mamita makumi mana. Shure kwenguva pfupi, vakayerazve vakawana kuti pakanga padzika namamita makumi matatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaera namaungira vakaona mvura iri mamita makumi matatu namanomwe. Vangoti endei pamberi zvishomanana vakaerazve namaungira vakaona kuti yakanga yava mamita makumi maviri ana manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakaita mafadhomi makumi maviri; vakapfuura zvishoma, ndokuyerazve, vakawana pakaita mafadhomi ane gumi namashanu.
Shona 2009?
Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakati mafadomi* makumi maviri; vakapfuvura zvishoma, ndokuyerazve, vakawana pakaita mafadomi* anegumi namashanu.
Shona SUB 2002 Bible
Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakaita mafadhomi makumi maviri; vakapfuura zvishoma, ndokuyerazve, vakawana pakaita mafadhomi ane gumi namashanu.