Acts 27:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira ɀikuru kwaʋari ʋose kuti ʋadye, aciti: Nhasi raʋa zuʋa regumi nerecinna, ramakagara muciɀinyima kudya, musiŋgadyi cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwava kuda kuedza, Pauro akavakurudzira kuti vadye achiti, “Mazuva gumi namana apfuura, manga makangogara musingadyi, hamuna kutongodya kana chinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambakwedza, Pauro akavakurudzira vose kuti vadye achiti, “Nhasi izuva regumi nechina makabatira ura mumaoko musina chokudya pasina chamadya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti, “Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.
Shona 2009?
Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti: Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti, “Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.