Acts 27:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kwakati kwoedza, ʋakasaziʋa nyika; asi ʋakaʋona zororo raiʋa nejeca, ʋakaraŋgana kana ɀaibvira kuitika, kuti ʋaise cikepe pariri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunze kwakati kwaedza, havana kuziva nyika iyo, asi vakaona nzvimbo yaiva nejecha, apo pavakasarudza kuti vamise chikepe kana zvaigona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kwakati kwaedza havana kugona kuziva kuti inyika ipi asi vakaona nzvimbo yaigona kumira chikepe yaiva nejecha pamahombekombe pavakafunga kundosvitsa chikepe kumahombekombe ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kwakati kwoedza, vakasaziva nyika; asi vakaona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri.
Shona 2009?
Kwakati koedza, vakasaziva nyika; asi vakavona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri.
Shona SUB 2002 Bible
Kwakati kwoedza, vakasaziva nyika; asi vakaona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri.