Acts 27:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaciȿika paiɗira makuŋgwa maʋiri, ʋakagumirisa cikepe pasi; muromo waco ukaɓatwa kwaɀo usiŋgazunuŋguki, asi rutiʋi rwaco rweshure rukavunika nesimba remʋura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi chikepe chakarovera pajecha. Muromo wacho wakabatirira kwazvo uye ukasagona kubvapo, nokudaro shure kwacho kwakapwanyika kukaita zvimedu zvimedu nokuda kwokurova kwamasaisai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaroverera chikepe pachiturunhuru chejecha pasi pegungwa ndokubva chikepe chati pfe mujecha ndiye mbetete chisisakwanisi kuzunguzika. Besu rechikepe rikabva ratyorwa tyorwa namasaisai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.
Shona 2009?
Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.