Acts 27:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mukuru wezana wakaɗa kuponesa Pauro, akaʋadziʋisa ɀaʋakaŋga ʋaciɗa kuita; akaraira kuti ʋanogona kushambira, ʋataŋge kuɀiwisira mumʋura, ʋaɓuɗe kunyika;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mukuru wezana akanga achida kuponesa Pauro, akavadzivisa kuita zvavakanga varonga. Akarayira vaya vaigona kushambira kuti vashambire havo vatange kubuda muchikepe vaende kumahombekombe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mutungamiri wezana, pamusana pokuda kuponesa Pauro, akarambidza kuita zvavainge vafunga. Akati avo vanokwanisa kushambira vatange ndivo kusvetukira panze vagoshambira vachienda kunyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mukuru wezana akada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akarayira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika;
Shona 2009?
Asi mukuru wezana wakada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akaraira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika;
Shona SUB 2002 Bible
Asi mukuru wezana akada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akarayira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika;