Acts 27:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino takanatsofamba mazuʋa mazhinji, tikaȿika pakatarisana neKinido ticitambudzika, mhepo ɀayakaŋga isiŋgatitenderi kufamba, tikapfuʋura nenyasi kweKrita, pakatarisana neSarmoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takafamba zvishoma zvishoma mazuva mazhinji uye zvakanga zvakatiomera kusvikira paNidhasi. Sezvo mhepo yakanga ichitidzivisa kuti tifambe mugwara redu, takabva taenda nezasi kweKirete, kwakatarisana neSarimone.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Takafamba nechikepe zvishoma nezvishoma mazuva akati kuti tikasvika, kuKinidhosi zvokutovavarira. Mhepo zvaisina kutibvumira kuenderera mberi, takatofamba tiri kunoenda mhepo kweKiriti tiri pedyo neSarimoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino takanatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinidho tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuura nenyasi kweKiriti, pakatarisana neSarimoni.
Shona 2009?
Zvino takanyatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuvura nenyasi kweKrita, napakatarisana neSarmoni.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino takanatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinidhusi tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuura nenyasi kweKiriti, pakatarisana neSarimoni.