Acts 28:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋedzi mitatu yakati yapfuʋura, tikaenda necikepe ceAreksandria, cakaŋga cagara cando paciwi, caiʋa neciratidzo cokuti Dioskuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure memwedzi mitatu takatangisa kuenda nechikepe chakanga chapedzera nguva yechando chiri pachitsuwa ichocho. Chikepe ichocho chaiva chokuArekizandiria chaiva nechiga chinonzi Vamwarimapatya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwedzi mitatu yakati yapfuura, tikaenda nechikepe cheArekizandiriya, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti “Dhiokuri.”
Shona 2009?
Mwedzi mitatu yakati yapfuvura, tikaenda nechikepe cheArekizandiria, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti Dioskuri.
Shona SUB 2002 Bible
Mwedzi mitatu yakati yapfuura, tikaenda nechikepe cheArekizandiria, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti “Dhiokuri.”