Acts 28:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino hama dzakati dzatinzwa, dzikabva’po, dzikaʋuya kuzoticiŋgamidza, dzikaȿika Apio Foro napaTaberne Nhatu; Pauro akati adziʋona idzo, akaʋoŋga Mŋari, akatsuŋga mŋoyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hama dzaikoko dzakanga dzanzwa kuti takanga tichiuya, naizvozvo vakafamba kusvikira kuMusika weApio napaMahotera Matatu kuti vazosangana nesu. Pauro, paakaona varume ava, akavonga Mwari uye akakurudzirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ikoko, vehama pavakanzwa nezvedu vakauya zvokutosvika kumusika weApia nokunzvimbo yainzi Hoteranhatu kuzotichingura. Pauro paakavaona akatenda Mwari akabva atsunga mwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikauya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTabherini Nhatu; Pauro akati adziona idzo, akavonga Mwari, akatsunga mwoyo.
Shona 2009?
Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikavuya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTaberne Nhatu; Pauro akati adzivona idzo, akavonga Mwari, akatsunga moyo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikauya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTabherini Nhatu; Pauro akati adziona idzo, akavonga Mwari, akatsunga mwoyo.