Acts 28:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mazuʋa matatu akati apfuʋura, akakokera aʋo, ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋaʋaJuda. Ʋakati ʋaʋuŋgana, akati kwaʋari: Ʋarume, hama, ini kunyaŋge ndisina‐kuita cinhu cakatadzira ʋanhu, kana tsika dzamadziɓaɓa eɗu, ndakabva Jerusarema ndakasuŋgwa, ndaiswa pamaʋoko aʋaRoma;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mazuva matatu akati apfuura, akakoka vatungamiri vavaJudha. Vakati vaungana, Pauro akati kwavari, “Hama dzangu, kunyange ndisina kuita chinhu chakaipa kuvanhu vokwedu kana pamusoro petsika dzamadzitateguru edu, ndakasungwa muJerusarema ndikaiswa mumaoko avaRoma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti kwapera mazuva matatu zvakaitika kuti Pauro akakoka vakuru vakuru vavaJudha. Pavakanga vaungana akati kwavari, “Varume hama, kunyange zvangu pasina chakaipa chandakaita kuvanhu kana kutsika dzamadzitateguru edu asi ndakasungwa kuJerusaremu ndikaiswa mumaoko avaRoma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mazuva matatu akati apfuura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vaungana, akati kwavari, “Varume, hama, ini kunyange ndisina kuita chinhu chakatadzira vanhu, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusaremu ndakasungwa, ndaiswa pamaoko avaRoma;
Shona 2009?
Mazuva matatu akati apfuvura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vavungana, akati kwavari: Varume, hama, kunyange ndisina kuitira vanhu chinhu chakaipa, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusarema ndakasungwa, ndaiswa pamavoko avaRoma;
Shona SUB 2002 Bible
Mazuva matatu akati apfuura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vaungana, akati kwavari, “Varume, hama, ini kunyangwe ndisina kuita chinhu chakatadzira vanhu, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusaremu ndakasungwa, ndaiswa pamaoko avaRoma;