Acts 28:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋenyika iyo ʋakatiitira ʋunyoro kwaɀo; nokuti ʋakaɓatidza mŋoto, ʋakatigamucira tose, nokuɗa kwemvura yakaŋga icinaya, ʋuye nokuɗa kwecando.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vagari vomo vakatibata zvakanakisisa kwazvo. Vakativesera moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kwatangisa kunaya uye kwaitonhora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu venyika iyo vakatiitira unyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose, nokuda kwemvura yakanga ichinaya, uye nokuda kwechando.
Shona 2009?
Vanhu venyika iyi vakatiitira vunyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose nokuda kwemvura yakanga ichinaya uye nokuda kwechando.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu venyika iyo vakatiitira unyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose, nokuda kwemvura yakanga ichinaya, uye nokuda kwechando.