Acts 28:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakakuɗanai pamsoro pemhoȿa iyi, kuti ndikuʋonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasuŋgwa neketani iri nokuɗa kwetariro yaʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokudaro ndakumbira hangu kuti ndikuonei uye nditaure nemi. Nokuda kwetariro yaIsraeri ndakasungwa nengetani iyi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndicho chikonzero chaita kuti ndikumbire kukuonai uye kuti nditaure nemi pamusana pokuti ndakasungwa necheni idzi nokuda kwechitarisiro cheIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa nengetani iyi nokuda kwetariro yavaIsiraeri.”
Shona 2009?
Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuvonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa neketani iri nokuda kwetariro yavaIsraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa nengetani iyi nokuda kwetariro yaVaIsiraeri.”