Acts 28:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kwaari: hatina‐kugamucira ŋwadi pamsoro pako, dzaibva Judea, ʋuye hakunomumŋe wehama wakaȿika akatiʋudza ɀako, kana kutaura ɀakaipa pamsoro pako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakati, “Hatina kumbogamuchira kana tsamba zvadzo dzichibva kuJudhea maererano newe, uye hakuna mumwe wehama dzakabvako akatizivisa kana kutaura chinhu chipi zvacho chakaipa pamusoro pako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati kwaari, “Hapana tsamba dzatakagamuchira dzichibva kuJudhea nezvako. Hapanawo mumwe wehama akauya kuno akatipirawo kana kutaura zvakaipa nezvako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kwaari, “Hatina kugamuchira tsamba pamusoro pako, dzaibva Judhea, uye hakuna mumwe wehama akasvika akatiudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.
Shona 2009?
Vakati kwaari: Hatina kugamuchira mwadhi pamusoro pako, dzaibva Judhiya, uye hakunomumwe wehama wakasvika akativudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kwaari, “Hatina kugamuchira tsamba pamusoro pako, dzaibva Judhiya, uye hakuna mumwe wehama akasvika akatiudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.