Acts 28:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋamutarira zuʋa, ʋakaʋuya kwaari ʋari ʋazhinji, kwaakaŋga agere, akaʋaɗudzira, aciʋapupurira kwaɀo ʋushe bgaMŋari, akaʋagombedzera pamsoro paJesu, nomurairo waMosesi naʋaprofita, kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira umambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaronga zuva rokusangana naye, vakazouya paaigara vakawanda kwazvo iye akavarondedzera nyaya iyoyi kubva mangwanani kusvikira mauro achipa uchapupu kuhumambo hwaMwari achiedza kuti vabvume nezvaJesu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi navaporofita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vamutarira zuva, vakauya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo ushe hwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurayiro waMosesi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.
Shona 2009?
Zvino vakati vamutarira zuva, vakavuya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo vushe bwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurairo waMozisi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vamutarira zuva, vakauya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo ushe hwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurairo waMosesi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.