Acts 28:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mŋoyo yaʋanhu aʋa yaʋa mikukutu, Nzeʋe dzaʋo hadzinzwi ɀakanaka, Ʋakatsinzina meso aʋo; Kuti ʋarege kutoŋgoʋona nameso aʋo, Nokunzwa nenzeʋe dzaʋo, Nokunzwisisa nemŋoyo yaʋo, Ʋatendeʋuke, Ndiʋaporese.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu; havanzwisisi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvimwe vangaona nameso avo, vanzwe nenzeve dzavo, vanzwisise nemwoyo yavo, vagotendeuka, ndigovaporesa.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti mwoyo yavanhu ava indambakurairwa, nzeve dzavo kunzwa hadzichanzwi; maziso avo vakazarira kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo vachinzwa nenzeve dzavo uye vakanzwisisa nemwoyo yavo vakapindukira kwandiri ini ndikavaponesa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongoona nameso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemwoyo yavo, Vatendeuke, Ndivaporese.’ ”
Shona 2009?
Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongovona nemeso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemoyo yavo, Vatendevuke, Ndivaponese
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongoona nameso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemwoyo yavo, Vatendeuke, Ndivaporese.’ ”